1 Samuel 15:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samueri akati: Kunyaŋge wakaŋga uri muɗuku pakufuŋga kwako, hauna‐kuitwa mukuru wamarudzi aʋaIsraeri here? Jehova wakakuzodza, kuti uʋe mambo waIsraeri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akati, “Kunyange zvazvo waizviona sokunge munhu pasina asika ndiwe mutungamiriri wamadzinza evaIsiraeri. Tenzi akakuzodza achikugadza umambo hwomuIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Samueri akati, ‘Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri;
Shona 2009?
Samueri akati, `Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri;
Shona SUB 2002 Bible
Samueri akati, ‘Kunyangwe wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi aVaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri;