1 Samuel 15:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Sauro akati kunaSamueri: Ndakatadza, nokuti ndakaɗarika murairo waJehova, ʋuye namashoko enyu, nokuti ndakatya ʋanhu, ndikaterera manzwi aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Sauro akati kuna Samueri, “Ndatadza, ndamukira murayiro waJehovha nezvamakandirayira. Ndakanga ndichitya vanhu nokudaro ndakateerera mashoko avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akati, “Inga ndakatopara chitadzo nokuti ndakatyora mutemo waTenzi, ndakatadzawo kuchengeta mashoko enyu pamusana pokuti ndakatya vanhu, nokuteerera kwandakaita zvavaireva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Sauro akati kuna Samueri “Ndakatadza, nokuti ndakadarika murayiro waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera mazwi avo.
Shona 2009?
Ipapo Sauro akati kuna Samueri "Ndakatadza, nokuti ndakadarika murayiro waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera manzwi avo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Sauro akati kuna Samueri “Ndakatadza, nokuti ndakadarika murairo waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera mazwi avo.