1 Samuel 15:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino cienda undokunda ʋaAmareki, uparadze cose ɀose ɀaʋanaɀo, usaʋarega; asi uʋuraye ʋarume naʋakadzi ʋose, naʋacece naʋanomŋa, neŋombe namakwai, namakamera nemboŋgoro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino chienda undorwisa vaAmareki uye uparadze zvachose zvinhu zvavo zvose. Usavarega vari vapenyu uuraye varume navakadzi, vana navacheche, mombe namakwai, ngamera nembongoro.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino enda urwise vaAmareki unyatsoparadza zvose zvavanazvo, usavanzwire tsitsi, asi unofanira kutouraya kubvira kuvarume kusvikira kuvakadzi nokubvira pamwana kudzamara kurusvava ruchiri kuyamwa, kubvirawo pamombe kusvikira kuhwai uyewo kubvira pangamera kudzamara kudhongi.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavanazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai, namakamera nembongoro.’ ”
Shona 2009?
Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavanazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai, namakamera nembongoro.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino chienda undokunda vaAmareki, uparadze chose zvose zvavainazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanomwa, nemombe namakwai, namakamera nembongoro.’ ”