1 Samuel 15:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Samueri akati: Ʋuyai kwandiri naAgagi mambo waʋaAmareki. Agagi akaʋuya kwaari, akafara. Agagi akati: Ɀirokwaɀo kuʋaʋa kworufu kwapfuʋura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Samueri akati, “Uyai naAgagi mambo wavaAmareki kwandiri.” Agagi akauya kwaari akanyatsofara, achifunga kuti, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akati, “Ndiunzirei pano Agagi mambo wevaAmareki.” Agagi akauyapo achifara zvake. Izvozvo Agagi aiti, “Zvorufu hapachisina.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Samueri akati, “Uyai kwandiri naAgagi mambo wavaAmareki.” Agagi akauya kwaari, akafara. Agagi akati, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.”
Shona 2009?
Zvino Samueri akati, "Uyai kwandiri naAgagi mambo wavaAmareki." Agagi akauya kwaari, akafara. Agagi akati, "Zvirokwazvo kuvava korufu kwapfuura."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Samueri akati, “Uyai kwandiri naAgagi mambo wavaAmareki.” Agagi akauya kwaari, akafara. Agagi akati, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.”