1 Samuel 15:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Samueri akati: Munondo wako seɀawakashaisa ʋakadzi ʋana, saiɀoɀo mai ʋako ʋacashaiwa ʋana pakati paʋakadzi. Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehova paGirgari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Samueri akati, “Munondo wako sezvo wakaita kuti vakadzi vashaye vana, saizvozvo mai vako vachashayiwa mwana pakati pavakadzi.” Zvino Samueri akauraya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Samueri akati, “Bakatwa rako raisiya vakadzi vasisina vana. Saizvozvo amai vako vava kusarawo pakati pavakadzi vasisina mwana.” Samueri akaita Agagi kanyama kanyama pana Tenzi kuGirigari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Samueri akati, “Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pavakadzi.” Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.
Shona 2009?
Samueri akati, "Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pavakadzi." Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.
Shona SUB 2002 Bible
Samueri akati, “Munondo wako sezvawakashaisa vakadzi vana, saizvozvo mai vako vachashaiwa vana pakati pavakadzi.” Samueri akaguranya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.