1 Samuel 15:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sauro akati kuʋaKeni: Endai mubve, muɓuruke mubve pakati paʋaAmareki, ndirege kukuparadzai pamŋe cete naʋo; nokuti imi makaʋa nomŋoyo munyoro naʋana ʋose ʋaIsraeri, paŋguʋa yokuɓuɗa kwaʋo Egipita. Naiɀoɀo ʋaKeni ʋakabva pakati paʋaAmareki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kuvaKeni, “Endai, ibvai kuvaAmareki kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo; nokuti makaita mwoyo munyoro kuvaIsraeri vose panguva yavakabuda muIjipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akaruma vaKeni nzeve achiti, “Ibvai pano budai mukati mevaAmareki, ndingadaro ndikakubatanidzirai nevaAmareki. Ndinodaro nokuti makaitira vaIsiraeri vose tsiye nyoro pavaibva kuIjipiti.” VaKeni vakabva vabva mukati mevaAmareki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sauro akati kuvaKeni, “Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imi makava nomwoyo munyoro navana vose vaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.
Shona 2009?
Sauro akati kuvaKeni, "Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imwi makava nomoyo munyoro navana vose vaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti." Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.
Shona SUB 2002 Bible
Sauro akati kuvaKeni, “Endai mubve, muburuke mubve pakati pavaAmareki, ndirege kukuparadzai pamwechete navo; nokuti imi makava nomwoyo munyoro navana vose VaIsiraeri, panguva yokubuda kwavo Ijipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.