1 Samuel 16:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wakati kunaSamueri: Ucacema Sauro kuȿikira riniko, ɀandakamuramba ini, kuti arege kuʋa mambo waIsraeri? Zadza gonaŋombe rako namafuta, uende, ndikutume kunaJese muBeti‐rehemi; nokuti ndakaɀitȿakira mambo pakati paʋana ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchichema Sauro, sezvo ini ndakamuramba kuti asava mambo wavaIsraeri? Zadza gonamombe rako namafuta ugopinda munzira yako; ndiri kukutuma kuna Jese wokuBheterehema. Ndasarudza mumwe wavanakomana vake kuti ave mambo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchingochema Sauro iwe uchiona zvako kuti ndamuramba kuti ave mambo weIsiraeri? Zadza nyanga namafuta ndikutume uende kuna Jese muBheterehemu nokuti ndazviwanira mambo mukati mavana vake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, “Uchachema Sauro kusvikira riniko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha wakati kuna Samueri, "Uchachema Sauro kusvikira rinhiko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBheterehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Uchachema Sauro kusvikira rinhiko, zvandakamuramba ini, kuti arege kuva mambo waIsiraeri? Zadza gonamombe rako namafuta, uende, ndikutume kuna Jese muBhetirehemu; nokuti ndakazvitsvakira mambo pakati pavana vake.”