1 Samuel 16:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Samueri akati kunaJese: Ʋana ʋako ʋari pano ʋose here? Akati: Muɗuku kunaʋose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai. Samueri akati kunaJese: Tuma munhu amutore, nokuti hatiŋgagari pakudya kuȿika iye aʋuya pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akabvunza Jese akati, “Ava ndivo vose vanakomana vaunavo here?” Jese akapindura akati, “Kuchino mumwe muduku kuna vose, asi ari kufudza makwai.” Samueri akati, “Tuma munhu kwaari; hatingagari pasi kusvikira asvika pano.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samueri akazoti kuna Jese, “Vari pano ava ndivo vanakomana vako vose here?” Jese akapindurawo achiti, “Kune mumwe gotwe racho, asi zvino ari kufudza hwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tumai munhu andomutora nokuti hatimbogara pakudya asati asvika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Samueri akati kuna Jese, “Vana vako varipano vose here?” Akati, “Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.”
Shona 2009?
Zvino Samueri akati kuna Jese, "Vana vako varipano vose here?" Akati, "Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unorisa makwai." Samueri akati kuna Jese, "Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Samueri akati kuna Jese, “Vana vako vari pano vose here?” Akati, “Muduku kuna vose ndiye wasara; tarirai unotarisa makwai.” Samueri akati kuna Jese, “Tuma munhu amutore, nokuti hatingagari pakudya kusvika iye auya pano.”