1 Samuel 16:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe wamajaya akapindura, akati: Tarirai, ndakaʋona mŋanakomana waJese muBeti‐rehemi unoziʋa kuridza kwaɀo, munhu unesimba noʋumhare, murwi, wakacenjera pakutaura, munhu wakanaka, ʋuye Jehova unaye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavaranda akapindura akati, “Ndaona mwanakomana waJese wokuBheterehema anoziva kuridza mbira. Murume asingatyi uye murwi. Anogona kutaura zvakanaka uye munhu akaisvonaka. Uye Jehovha anaye.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe muranda akapindura achiti, “Mufunge zvenyu, ndakaona mumwe mwanakomana waJese muBheterehemu shasha chaiyo yokuridza, munhu ane chivindi, mvumba chaiyo yokurwa hondo. Inyanzvi pakutaura, murume ane chimiro chakanaka kwazvo. Tenzi anaye.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, “Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBheterehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.”
Shona 2009?
Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, "Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBheterehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe wamajaya akapindura, akati, “Tarirai, ndakaona mwanakomana waJese muBhetirehemu unoziva kuridza kwazvo, munhu ane simba noumhare, murwi, wakachenjera pakutaura, munhu wakanaka, uye Jehovha anaye.”