1 Samuel 16:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehova wakati kunaSamueri: Usatarira ciso cake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehova haaʋoni somunhu, nokuti munhu unotarira ɀiri kunze, asi Jehova unotarira ɀiri pamŋoyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake, nokuti ndamuramba. Jehovha haatarisi zvinhu zvinoonekwa navanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi akati kuna Samueri, “Usatarise chimiro chake kana mhumhu wake nokuti ndamuramba. Chikonzero ndechokuti maonero angu ini Tenzi akasiyana namaonero omunhu, nokuti munhu anotarisa munhu maziso, asi ini Tenzi ndinotarisa mumwoyo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehovha wakati kuna Samueri, “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”
Shona 2009?
Asi Jehovha wakati kuna Samueri, "Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamoyo."
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haawoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”