1 Samuel 17:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Sauro naʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋacinzwa mashoko awa omuFiristia, ʋakavunduka, ʋakatya kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro navaIsraeri vose vakati vachinzwa mashoko omuFiristia vakavhunduka uye vakatya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa izvi zvaitaurwa nomuFirisitia uyu vakakangaidzwa nazvo vakatya zvikuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa omuFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.
Shona 2009?
Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa avaFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Sauro naVaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko aya omuFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.