1 Samuel 17:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi wakaŋga ari mŋanakomana womuEfrati weBeti‐rehemi‐juda, wainzi Jese; iye wakaŋga anaʋanakomana ʋasere, asi munhu uyu wakaŋga aʋa mutana pamazuʋa aSauro, akwegura pakati paʋarume.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Dhavhidhi akanga ari mwanakomana womuEfurata ainzi Jese, uyo akanga achibva kuBheterehema reJudha. Jese akanga ana vanakomana vasere, uye pamazuva aSauro akanga ava mutana uye akwegura ava namakore mazhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi aiva mwanakomana womumwe muEfurati wokuBheterehemu kwaJudha ainzi Jese aiva navana vakomana vasere. Panguva dzaSauro, Jese uyu, akanga akwegura uye ava namakore akawanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi wakanga ari mwanakomana womuEfurata weBheterehemujudha, wainzi Jese; iye wakanga ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakanga ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi wakanga ari mwanakomana womuEfurata weBheterehemujudha, wainzi Jese; iye wakanga ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakanga ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi wakanga ari mwanakomana womuEfurata weBhetirehemujudha, wainzi Jese; iye wakanga ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakanga ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume.