1 Samuel 17:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakati: Maʋona here murume uyo, wakwira? Ɀirokwaɀo wakwira kuzoshoʋora Israeri; munhu unomuʋuraya, mambo ucamufumisa nefuma zhinji, nokumupa ʋo mŋanasikana wake, nokusunuŋgura imba yaɓaɓa ʋake munaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaIsraeri vakanga vachiti, “Muri kuona here murume uyu ari kuramba achibuda? Ari kubuda kunze kuzoshora vaIsraeri. Mambo achapa pfuma zhinji kumunhu anomuuraya. Achamupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake, uye achasunungura mhuri yababa vake kuti irege kuzobvisa mutero muIsraeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varwi veIsiraeri vakataurirana vachiti, “Muri kuona here murume uyo? Uyu ndiye munhu ari kuzovirimira Isiraeri kwazvo. Munhu anenge amuuraya, mambo achamupa upfumi hwakawanda kwazvo nokumupawo mukunda wake. Achatiwo mhuri yokwake igare zvayo isina chainomanikidzwa kuita muIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume vaIsiraeri vakati, “Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri.”
Shona 2009?
Varume vaIsiraeri vakati, "Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Varume VaIsiraeri vakati, “Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake muna Isiraeri.”