1 Samuel 17:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akataura naʋarume ʋakaŋga ʋamire naye, akati: Munhu, unoʋuraya muFiristia uyu, akabvisa kushoʋorwa kwaʋaIsraeri ucapiweiko? Nokuti muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ndianiko, unoshoʋora hondo dzaMŋari mupenyu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akabvunza varume vakanga vamire naye akati, “Munhu achauraya muFiristia uyu uye agobvisa chinyadzo ichi pavaIsraeri achaitirwei? Ndianiko muFiristia uyu asina kudzingiswa anoshora hondo dzaMwari mupenyu?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kuvarume vaiva vamire naye, “Munhu anenge auraya muFirisitia uyu achibvisa nyadzi pavaIsiraeri achaitirweiko nokuti ndiani muFirisitia iyeyu asina zvake kudzingiswa anobva atodai kudhadhairira hondo yaMwari mupenyu?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, “Munhu, unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? Nokuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?”
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, "Munhu,• unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? Nokuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, “Munhu, unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushorwa kwaVaIsiraeri uchapiweiko? Nokuti muFirisitia uyu usino kudzingiswa ndianiko, unoshora hondo dzaMwari mupenyu?”