1 Samuel 17:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndaiɓuɗa, ndikaiteʋera, ndikaiʋuraya, ndikarirwira pamuromo wayo; kana iciŋge ikandimukira, ndaiiɓata ndebvu dzayo, ndokuiɓaya nokuiʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ndaitevera, ndigoiuraya ndigoponesa gwai kubva pamuromo wayo. Yakati ichitendeukira kwandiri, ndakaibata nemvere dzayo, ndikaibaya ndikaiuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndaiironda ndigoiuraya ndichinunura hwayana yacho mukanwa mayo. Yaiti ikange yandimukira ndoiti hetu nendebvu dzayo ndoirova ndoiuraya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.”
Shona 2009?
ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya."
Shona SUB 2002 Bible
ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.”