1 Samuel 17:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akasuŋgira munondo wake pamsoro peŋguʋo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakaŋga asino‐kumboidza iɀoɀo. Davidi akati kunaSauro: Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina‐kumbodziidza. Davidi akadzibvisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo akaedza kufamba-famba nadzo akakonewa, nokuti akanga asina kudzizivira. Akati kuna Sauro, “Handingaendi ndakapfeka idzi, nokuti handina kudzijaira.” Saka akadzibvisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akakwaikira bakatwa rake pahanzu dzake dzokurwisa nadzo. Dhavhidhi zvaakanga asina kujairirana nadzo akatadza kufamba nadzo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handikwanise kuenda nadzo nokuti handina kudzijaira.” Dhavhidhi akabva adzipfekenura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza.” Dhavhidhi akadzibvisa.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguvo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, "Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza." Dhavhidhi akadzibvisa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza.” Dhavhidhi akadzibvisa.