1 Samuel 17:46 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhasi Jehova ucakuisa muruʋoko rwaŋgu; ndicakuʋuraya, ndicakugura musoro wako, ndicapa shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika ɀitunha ɀehondo dzaʋaFiristia nhasi, kuti nyika yose iziʋe kuti Mŋari uri’po pakati paIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhasi uno Tenzi achakuisa mumaoko angu, ndichakuuraya ndokudimura musoro. Iye nhasi uno wakare ndichapa zvitunha zvehondo yavaFirisitia kushiri dzedenga nokuzvikara zvapasi pano zvigozivikanwa pasi pose kuti muIsiraeri muna Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.”
Shona 2009?
Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.”