1 Samuel 17:51 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akamhanya, akamira pamsoro pomuFiristia, akatora munondo wake, akauvomora pamuhara wawo, akamuʋuraya, akamugura musoro wake nawo. Ɀino ʋaFiristia ʋakati ʋaciʋona kuti mhare yaʋo yafa, ʋakatiza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akamhanya akandomira pamusoro pake. Akatora munondo womuFiristia akauvhomora mumuhara. Mushure mokunge amuuraya, akagura musoro wake nomunondo. VaFiristia vakati vaona kuti mhare yavo yafa, vakatendeuka vakatiza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akamhanya akasvikomira pamuFirisitia uya ndokuti bakatwa raGoriati wee kuriburitsa mumuhara maro. Akamupupura ndokumudimura musoro naro. VaFirisitia pavakaona kuti shasha yavo yafa vakabva vati ware kutiza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akamhanya, akamira pamusoro pomuFirisitia, akatora munondo wake, akauvhomora pamuhara wawo, akamuuraya, akamugura musoro wake nawo. Zvino vaFirisitia vakati vachiona kuti mhare yavo yafa, vakatiza.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible