1 Samuel 17:52 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋaIsraeri naʋaJuda ʋakasimuka, ʋakaɗanidzira, ʋakateʋera ʋaFiristia kuȿikira paGati napamasuʋo eEkroni. Ʋakaŋga ʋakuʋadzwa ʋaʋaFiristia ʋakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kuȿikira paGati napaEkroni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo varume veIsraeri neveJudha vakafamba vachienda mberi vachidanidzira uye vakatevera vaFiristia kusvikira pasuo reGati nokumasuo eEkironi. Vakafa vavo vakati kata kata mumugwagwa weShaaraimi waienda kuGati nokuEkironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varwi vokwaIsiraeri novokwaJudha vakabva vanyandukawo vachiitawo ruzha vodzingirirana navaFirisitia kudzamara vava kuda kusvika kuguta uye kusuo guru reGati nereEkironi. Ruzhinji rwavaFirisitia rwakanga rwakuvara rwakaita murakatira kufa munzira kubvira kuSharaimu kusvikira kuGati neEkironi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vaIsiraeri navaJudha vakasimuka, vakadanidzira, vakatevera vaFirisitia kusvikira paGati napamusuo eEkironi. Vakanga vakuvadzwa vavaFirisitia vakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kusvikira paGati napaEkironi.
Shona 2009?
Zvino varume vaIsiraeri navaJudha vakasimuka, vakadanidzira, vakatevera vaFirisitia kusvikira paGati napamusuo weEkironi. Vakanga vakuvadzwa vavaFirisitia vakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kusvikira paGati napaEkironi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume VaIsiraeri navaJudha vakasimuka, vakadanidzira, vakatevera vaFirisitia kusvikira paGati napamusuwo eEkironi. Vakanga vakuvadzwa vavaFirisitia vakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kusvikira paGati napaEkironi.