1 Samuel 17:55 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Sauro wakati aciʋona Davidi aciɓuɗa kundorwa nomuFiristia, akati kunaAbineri, mukuru wehondo: Abineri, mukomana uyo mŋanakomana waaniko? Abineri akati: Nomŋeya wenyu mupenyu, mambo, handiziʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akati atarisa Dhavhidhi achindosangana nomuFiristia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, jaya iri mwanakomana waaniko?” Abhineri akati, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, mambo, ini handizivi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro, paakaona Dhavhidhi achienda kundorwa nomuFirisitia uya akabvunza Abhuneru mutungamiriri mukuru wehondo kuti, “Nhai Abhuneru, mukomana uyu, mwana waani?” Abhuneru ndokuti, “Mambo! Ndinopika chaizvo, handimboziva ini!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kundorwa nomuFirisitia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, mukomana uyo mwanakomana waaniko?” Abhineri akati, “Nomweya wenyu mupenyu, mambo handizivi.”
Shona 2009?
Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kundorwa nomuFirisitia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, "Abhineri, mukomana uyo mwanakomana waaniko?" Abhineri akati, "Nomweya wenyu mupenyu, mambo handizivi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kundorwa nomuFirisitia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, “Abhineri, mukomana uyo mwanakomana waaniko?” Abhineri akati, “Nomweya wenyu mupenyu, mambo handizivi.”