1 Samuel 17:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamira, akaɗanidzira kuhondo dzaʋaIsraeri, akati kwaʋari: Maɓuɗireiko mucigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFiristia, nemi ʋaranda ʋaSauro here? Imi muɀitsaurire murume, aɓurukire ʋuno kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Goriati akamira uye akadanidzira kuhondo dzavaIsraeri achiti, “Seiko mabuda kuti muzogadzirira kurwa? Ko, ini handizi muFiristia, uye imi hamuzi varanda vaSauro here? Sarudzai murume mugoita kuti aburuke kuno kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamira akadaidzira kuhondo dzavaIsiraeri achiti, “Mavingei kutoronganirana hondo kudai? Hezvinoka ini ndiri muFirisitia, imi muri varanda vaSauro. Chizvisarudzirai munhu murege auye kuno kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, “Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemi varanda vaSauro here? Imi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri.
Shona 2009?
Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, "Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemwi varanda vaSauro here? imwi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri.
Shona SUB 2002 Bible
Akamira, akadanidzira kuhondo dzaVaIsiraeri, akati kwavari, “Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemi varanda vaSauro here? Imi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri.