1 Samuel 18:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati apedza kutaura naSauro, mŋoyo waJonatani ukanamatira mŋoyo waDavidi, Jonatani akamuɗa seɀaakaŋga aciɗa mŋoyo wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakapedza Dhavhidhi kutaura naSauro, pakabva pamuka ushamwari chaihwoihwo hwapamwoyo pakati paJonatani naDhavhidhi. Jonatani akamuda sokuda kwaaizviita iye pachake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati apedza kutaura naSauro, mwoyo waJonatani ukanamatira mwoyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida mwoyo wake.
Shona 2009?
Zvino wakati apedza kutaura naSauro, moyo waJonatani ukanamatira moyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida moyo wake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati apedza kutaura naSauro, mwoyo waJonatani ukanamatira mwoyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida mwoyo wake.