1 Samuel 18:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Sauro akati kunaDavidi: Tarira, mukunda waŋgu mukuru Merabi, ndicakupa iye aʋe mukadzi wako; asi iwe uʋe mhare yaŋgu, urwe hondo dzaJehova. Nokuti Sauro wakati: Ruʋoko rwaŋgu ŋgarurege kumuʋuraya, asi maʋoko aʋaFiristia ŋgaamuʋuraye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Hoyu Merabhi mwanasikana wangu mukuru. Ndichamupa kwauri kuti ave mukadzi wako; chete iwe chindishandira wakashinga uye urwe hondo dzaJehovha.” Nokuti Sauro akafunga mumwoyo make achiti, “Handichasimudzi ruoko rwangu kuti ndirwe naye. VaFiristia ngavaite izvozvo!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Chinzwa, pane mukunda wangu Merabhu ndichakupa zvangu kuti ave mukadzi wako, ndokunge chete waita chivindi chokundirwirira hondo dzaTenzi,” nokuti Sauro aiti, “Chiregai ini ndirege kubata ropa rake achiurayiwa zvake navaFirisitia.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichakupa iye ave mukadzi wako; asi iwe uve mhare yangu, urwe hondo dzaJehovha.” Nokuti Sauro wakati, “Ruoko rwangu ngarurege kumuuraya, asi maoko avaFirisitia ngaamuuraye.”
Shona 2009?
Zvino Sauro akati kuna Dhavhidhi, "Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichakupa iye ave mukadzi wako; asi iwe uve mhare yangu, urwe hondo dzaJehovha." Nokuti Sauro wakati, "Ruoko rwangu ngarurege kumuuraya, asi maoko avaFirisitia ngaamuuraye."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichakupa iye ave mukadzi wako; asi iwe uve mhare yangu, urwe hondo dzaJehovha.” Nokuti Sauro wakati, “Ruoko rwangu ngarurege kumuuraya, asi maoko avaFirisitia ngaamuuraye.”