1 Samuel 18:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Sauro akaraira ʋaranda ʋake, akati: Tauriranai naDavidi pakaʋanda, muti: Tarira, mambo unokufarira, naʋaranda ʋake ʋose ʋanokuɗa; naiɀoɀo ɀino ciʋa mukwambo wamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Sauro akarayira varanda vake akati, “Tauriranai naDhavhidhi pakavanda muti, ‘Tarira, mambo ari kukufarira, uye varanda vake vose vanokuda; zvino, chiva mukuwasha wake.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akasimbisa kurayira makurukota ake achiti, “Taurirai Dhavhidhi muchivande kuti, ‘Onaka iwe, mambo ari kufadzwa newe, uye makurukota ake ose anokuda. Zvino chiva zvako mukuwasha wamambo.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Sauro akaraira varanda vake, akati, “Tauriranai naDhavhidhi pakavanda, muti, ‘Tarira, mambo unokufarira, navaranda vake vose vanokuda;’ naizvozvo zvino chiva mukwambo wamambo.”
Shona 2009?
ipapo Sauro akaraira varanda vake, akati, "Tauriranai naDhavhidhi pakavanda, muti, `Tarira, mambo unokufarira, navaranda vake vose vanokuda;' naizvozvo zvino chiva mukwambo wamambo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Sauro akaraira varanda vake, akati, “Tauriranai naDhavhidhi pakavanda, muti, ‘Tarira, mambo unokufarira, navaranda vake vose vanokuda;’ naizvozvo zvino chiva mukwambo wamambo.”