1 Samuel 18:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sauro akati: Muti kunaDavidi: Mambo haatȿaki kuroʋorerwa, asi ɀikanda ɀapamberi ɀinezana ɀaʋaFiristia, kuti mambo atsiʋe ʋaʋeŋgi ʋake. Asi Sauro wakafuŋga kuʋurayisa Davidi naʋaFiristia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akati, “Muti kuna Dhavhidhi, ‘Mambo haasi kuda rimwezve roora romwenga rinokunda zvikanda zvapamberi zvavaFiristia zana, kuti atsive vavengi vake.’ ” Urongwa hwaSauro hwakanga huri hwokuurayisa Dhavhidhi navaFiristia.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro ndokuti, “Zvamuchaudza Dhavhidhi ndezvizvi, ‘Mambo haana mhosva zvake nezvokusweropiwa roora. Chaanongoda chete kupiwa zana rezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia kuti atsividze vavengi vake.’ ” Chaivavarirwa naSauro chaicho, chaiva chokuti aurayise Dhavhidhi navaFirisitia.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sauro akati, ‘Muti kuna Dhavhidhi, Mambo haatsvaki kurovorerwa, asi zvikanda zvapamberi zvine zana zvavaFirisitia, kuti mambo atsive vavengi vake.’ ” Asi Sauro wakafunga kuurayisa Dhavhidhi navaFirisitia.
Shona 2009?
Sauro akati, `Muti kuna Dhavhidhi, Mambo haatsvaki kurovorerwa, asi zvikanda zvapamberi zvine zana zvavaFirisitia, kuti mambo atsive vavengi vake.' " Asi Sauro wakafunga kuurayisa Dhavhidhi navaFirisitia.
Shona SUB 2002 Bible
Sauro akati, ‘Muti kuna Dhavhidhi, Mambo haatsvaki kuroorerwa, asi zvikanda zvapamberi zvine zana zvavaFirisitia, kuti mambo atsive vavengi vake.’ ” Asi Sauro wakafunga kuurayisa Dhavhidhi navaFirisitia.