1 Samuel 18:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akasimuka, akaenda iye naʋanhu ʋake, akaʋuraya ʋarume ʋanamazana maʋiri aʋaFiristia; Davidi akaʋuya neɀikanda ɀaʋo ɀapamberi, akaɀipa ɀiri ɀose kunamambo, kuti aʋe mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, aʋe mukadzi wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi navanhu vake vakabuda vakauraya mazana maviri avaFiristia. Akauya nezvikanda zvavo zvapamberi akazvipa zvose zvakakwana kuna mambo kuitira kuti zvimwe angava mukuwasha wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi navarwi vake vakasimuka vakaenda vakandouraya vaFirisitia mazana maviri. Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi zvikapiwa kuna mambo zviri zvose zvazvo kuitira kuti ave mukuwasha wamambo. Sauro akamupa Mikari mukunda wake kuti ave mukadzi wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akasimuka, akaenda iye navanhu vake, akauraya varume vana mazana maviri avaFirisitia; Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi, akazvipa zviri zvose kuna mambo, kuti ave mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, ave mukadzi wake.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible