1 Samuel 18:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Davidi akasienda kwose kwaaitumŋa naSauro, akaɓata maɓasa ose nokuŋgwara; Sauro akamuita mukuru waʋarume ʋehondo; ɀikafadza ʋanhu ʋose ʋuye naʋaranda ʋaSauro ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chimwe nechimwe chaaitumwa naSauro kuti aite, Dhavhidhi aizviita nomazvo chaizvo zvokuti Sauro akazomupa chinzvimbo chapamusoro-soro muhondo. Izvi zvakafadza vanhu vose, uye namachinda aSaurowo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi aibudirira kupi nokupi zvako kwaainge atumwa naSauro. Saurowo ndokubva amuita mutungamiriri wavarwi vehondo. Izvi zvakafadza vanhu vose namakurukota aSauro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhavhidhi akasienda kwose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo.
Shona 2009?
Dhavhidhi akasienda kose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo.
Shona SUB 2002 Bible
Dhavhidhi akasienda kwose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo.