1 Samuel 18:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sauro akatsamŋa kwaɀo, shoko iri rikasamufadza, akati: Ʋakapa Davidi makumi eɀuru ɀamazana, asi ini ʋakandipa ɀuru ɀoga; caanoshaiwa ɀino cinyiko, asi ʋushe bgoga?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akatsamwa zvikuru; kuimba uku kwakamutsa hasha dzake akati, “Vapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini zviuru chete. Chimwe chii chaangawana kunze kwoumambo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi hazvina kufadza Sauro, akatsamwa kwazvo nezvaitaurwa. Akati, “Heya vava kutopa zvavo Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru nhai? Ini vachindipa zviuru chete? Chavasara kumupa zvino ipapa chii, umamboka chete?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, “Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?”
Shona 2009?
Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, "Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?"
Shona SUB 2002 Bible
Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, “Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chiiko, asi ushe hwoga?”