1 Samuel 19:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDavidi kumurinda nokumuʋuraya maŋgwanani; Mikari mukadzi waDavidi, akamuʋudza, akati: Kana ukasaponesa ʋupenyu bgako ʋusiku bguno, ucaʋurawa maŋgwana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akatuma vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vairinde uye kuti vamuuraye mangwanani. Asi Mikari, mukadzi waDhavhidhi, akamuudza kuti, “Kana ukasatiza noupenyu hwako manheru ano, mangwana uchaurayiwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akatumira vanhu kumba kwaDhavhidhi kuti vamugarire vazomuuraya mangwanani acho. Zvino mukadzi waDhavhdhi, Mikari akamubayira zani achiti, “Kana ukarega kuzviponesa zvako usiku hwanhasi, mangwana uri kuurayiwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, “Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana.”
Shona 2009?
Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, "Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, “Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurayiwa mangwana.”