1 Samuel 19:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sauro akatuma nhume kundoɓata Davidi; asi idzo dzakati dziciʋona ɓoka raʋaprofita ʋaciprofita, naSamueri amire ari mutuŋgamiriri waʋo, Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaprofita ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akatuma vanhu kundomubata. Asi vakati vaona boka ravaprofita vachiprofita, naSamueri amire ipapo somutungamiri wavo, Mweya waMwari wakauya pamusoro pavanhu vaSauro uye naivowo vakaprofita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro ndokutuma nhume kundobata Dhavhidhi. Asi pavakasvikoona boka ravaporofita richiporofita, richitungamirirwa naSamueri akanga amirepo, Mweya waMwari wakauyawo panhumwa dzaSauro dziya dzikabva dzaporofitawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sauro akatuma nhume kundobata Dhavhidhi; asi idzo dzakati dzichiona boka ravaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri wavo, Mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaporofitawo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible