1 Samuel 19:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akaenda’ko Naioti paRama, Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake ʋo, akafamba aciprofita kudzimana aȿika Naioti paRama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Sauro akaenda kuNayoti paRama. Asi Mweya waMwari wakauya kunyange pamusoro pake, akafamba achiprofita kusvikira kuNayoti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo akabvapo ndokuenda kuNaioti kuRama. Mweya waMwari wakauyawo paari akafamba nzira yose achiporofita kudzamara asvika paNaioti kuRama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari wakauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama.
Shona 2009?
Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari wakauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari akauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama.