1 Samuel 19:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akabvisa ʋo ŋguʋo dzake, akaprofita pamberi paSamueri, akaʋata pasi, asakafuka, zuʋa iro rose noʋusiku ubgo bgose. Naiɀoɀo ʋanoti: Sauro uri pakati paʋaprofita ʋo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akabvisa nguo dzake akaprofitawo pamberi paSamueri uye akavata pasi akashama zuva rose nousiku hwose. Naizvozvo vanhu vanoti, “NaSaurowo ari pakati pavaprofita here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akakatanurawo hanzu dzake, akaporofitawo ari paiva naSamueri, akanga akati umburu kurara asina chaakapfeka muswere wose wezuva nousiku hwose. Ndokusaka kune tsumo inoti, “Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabvisawo nguo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, “Sauro uri pakati pavaporofitawo here?”
Shona 2009?
Akabvisawo nguvo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, "Sauro uri pakati pavaporofitawo here?"
Shona SUB 2002 Bible
Akabvisawo nguo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, “Sauro uri pakati pavaporofitawo here?”