1 Samuel 2:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hana akanyeŋgetera, akati: Mŋoyo waŋgu unofarira Jehova, Runyaŋga rwaŋgu rwakakwiridzwa munaJehova; Muromo waŋgu wakashamira ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Hana akanyengetera achiti: “Mwoyo wangu unofara muna Jehovha; muna Jehovha runyanga rwangu rwasimudzirwa kumusoro. Muromo wangu unotaura usingatyi pamusoro pavavengi vangu, nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hana akadetemba kunamata achiti: “Mwoyo wangu unofara naTenzi naiye Tenzi ndasimbaradzwa nomuromo wangu ndavakutotafurirawo vavengi vangu nokuti ndinofara nokununura kwenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hana akanyengetera, akati, “Mwoyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu; Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
Shona 2009?
Hana akanyengetera, akati, "moyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Hana akanyengetera, akati, “Mwoyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu; Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.