1 Samuel 2:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kunyaŋge ʋasati ʋapisa mafuta, muranda womuprista waiʋuya, ndokuti kumunhu wakaŋga aciɓayira: Ndipe nyama yokugocera muprista; nokuti haaŋgagamuciri kwauri nyama yakaɓikwa, asi mbishi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi, kunyange mafuta asati atsva, muranda womuprista aiuya achiti kumurume aibayira chibayiro, “Ipa muprista nyama yokugocha; haasi kuzogamuchira nyama yakabikwa kubva kwauri, asi mbishi chete.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakazenge zvava kuitikawo ndezvizvi zvokuti: mushandi womupristi aiuya kumunhu ainge achipira chibayiro iwo mafuta asati ambopiswa woti, “Ndipei nyama yokugochera mupristi nokuti mupristi haadi kuti mumupe nyama yakabikwa, asi mbishi chete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womupristi waiuya, ndokuti kumunhu wakanga achibayira, “Ndipe nyama yokugochera mupristi; nokuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.”
Shona 2009?
Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womuprista waiuya, ndokuti kumunhu wakanga achibayira, "Ndipe nyama yokugochera muprista; nokuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kunyangwe vasati vapisa mafuta, muranda womupristi waiuya, ndokuti kumunhu wakanga achibayira, “Ndipe nyama yokugochera mupristi; nokuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.”