1 Samuel 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana munhu uyo akati kwaari: Ŋgaʋataŋge kupisa mafuta, ugotora hako ɀose ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako, ipapo iye ndokuti: Kwete, cindipa iyo ɀino; kana usiŋgaɗi, ndicaitora nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana murume uya aiti kwaari, “Rega mafuta ambotanga atsva uye iwe ugozotora chero zvaunoda,” uye muranda aibva apindura achiti, “Kwete, ndipe kuno zvino; kana ukasandipa ndichaitora nechisimba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwaiti kana munhu iyeyo akati, “Iye zvino izvi, chimbomiraka vatange vanyatsopisa mafuta atsve apere ugoti wotora zvako paunodira.” Mushandi uya aiti, “Aiwa. Chitondipa iye zvino uno. Kana ukaramba, ndava kuita zvechisimba.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana munhu uyo akati kwaari, “Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikanwa nomwoyo wako,” ipapo iye ndokuti, “Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba.”
Shona 2009?
Zvino kana munhu uyo akati kwaari, "Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikamwa nomoyo wako," ipapo iye ndokuti, "Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana munhu uyo akati kwaari, “Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikanwa nomwoyo wako,” ipapo iye ndokuti, “Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba.”