1 Samuel 2:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati: Jehova ŋgaakupe ʋana kumukadzi uyu panɀimbo yaiye wamakapa Jehova. Ʋakaenda kumusha kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Eri aibva aropafadza Erikana nomukadzi wake achiti, “Jehovha ngaakupe vana nomukadzi uyu kuti vatore nzvimbo youyo waakakumbira uye akamupa kuna Jehovha.” Ipapo vaibva vaenda kumusha kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Eri aikomborera Erikana nomudzimai wake achiti, “Tenzi ngaakupei vana nomudzimai uyu kutsiva iyeyu waakambokumbira sechikwereti kuna Tenzi.” Vakuzobva vodzokera zvavo kumusha kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, “Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha.” Vakaenda kumusha kwavo.
Shona 2009?
Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, "Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha." Vakaenda kumusha kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, “Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha.” Vakaenda kumusha kwavo.