1 Samuel 2:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe murume waMŋari akaʋuya kunaEri, akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Handina‐kuɀiratidza here kuimba yaɓaɓa ʋako, ʋaciri Egipita ʋakasuŋgwa neimba yaFarao here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Handina kuzviratidza pachena kuimba yababa vako here pavaiva muIjipiti pasi paFaro?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naTenzi, ‘Ndakazviratidza pachena kuna tateguru wemba yako pavaiva kuIjipiti mumaoko aFarao,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Ijipiti vakasungwa neimba yaFarao here?
Shona 2009?
Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, "Zvanzi naJehovha, `Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Ijipiti vakasungwa neimba yaFarao here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Ijipiti vakasungwa neimba yaFarao here?