1 Samuel 2:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handina‐kumutsaura here pakati pamarudzi aIsraeri, kuti aʋe muprista waŋgu, akwire kuartari yaŋgu kupisa ɀinonhuwira, nokufuka efodi pamberi paŋgu here? Handina‐kupa imba yaɓaɓa ʋako ɀipiriso ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri ɀinopiswa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakasarudza baba vako kubva kumarudzi ose aIsraeri kuti vave muprista wangu, kuti vakwire kuaritari yangu, kundopisa zvinonhuwira, uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu. Ndakapawo imba yababa vako zvose zvipiriso zvaipiswa navaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndikatomusarudza ini pakati pamadzinza ose avaIsiraeri kuti ave mupristi wangu wokundishandira paatari kuti apise rusenzi akapfeka efodhi pandiri. Ndakapa vemba yababa wako zvemipiro yose yavaIsiraeri inoita zvokupiswa nomoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave mupristi wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuwira, nokufuka efodi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvavana vaIsiraeri zvinopiswa here?
Shona 2009?
Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave muprista wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuhwira, nokufuka efodhi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvavana vaIsiraeri zvinopiswa here?
Shona SUB 2002 Bible
Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave mupristi wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuwira, nokufuka efodi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvevana VaIsiraeri zvinopiswa here?