1 Samuel 2:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino munopfunhurireiko ciɓayiro caŋgu necipiriso caŋgu, ɀandakaraira mumba maŋgu, mukakudza ʋanakomana ʋenyu kukunde’ni, mukaɀikodza neɀipiriso ɀakanakisa ɀaʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sei muchizvidza chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakarayira mumba mangu? Sei muchikudza vanakomana venyu kudarika ini nokuzvi kudza pachenyu nezvikamu zvakanakisisa zvezvipiriso zvose zvinopiwa navanhu vangu veIsraeri?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino sei mava kuita mwoyo wokudokwairira zvibayiro nemipiro yandakatema kuti iitwe? Heya, wava kutoremekedza zvako vana vako kupinda ini nhai, muchizvikodza zvenyu nenyama dzakanakisisa dzepamipiro yose yavanhu vangu vaIsiraeri?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino munopfunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu vaIsiraeri here?’
Shona 2009?
Zvino munofunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu valsiraeri here?'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino munopfunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu VaIsiraeri here?’