1 Samuel 2:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova waIsraeri: Ndakati nomŋoyo wose kuti imba yako, neimba yaɓaɓa ʋako, ʋafambe pamberi paŋgu nokusiŋgaperi, asi ɀino ɀanzi naJehova: Handiŋgaɗaro, nokuti ʋanondikudza ndicaʋakudza ʋo, ʋanondiɀidza ndicaʋashoʋora ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo Jehovha, Mwari weIsraeri, anoti, ‘Ndakavimbisa kuti imba yako neimba yababa vako dzichashumira pamberi pangu nokusingaperi.’ Asi zvino Jehovha anoti, ‘Ngazvive kure neni! Avo vanondikudza ndichavakudza, asi avo vanondizvidza vachadzikisiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Tenzi Mwari wavaIsiraeri anoti, ‘Ndakanga ndatema kuti vemba yako nevemba yababa vako vafambise basa rapandinenge ndiri narini wose.’ Asi zvino Tenzi anoti, ‘Zvino zvandibva. Vanondiremekedza ndinovaremekedzawo, vanondishonha vachavawo vanhu vasina maturo.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, ‘Ndakati nomwoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi,’ asi zvino zvanzi naJehovha, ‘Handingadaro, nokuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.
Shona 2009?
"Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, `Ndakada nomoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi,' asi zvino zvanzi naJehovha, `Handingadaro, nokuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, ‘Ndakati nomwoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi,’ asi zvino zvanzi naJehovha, ‘Handingadaro, nokuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.