1 Samuel 2:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu weimba yako wandicarega kubvisa paartari yaŋgu, iye ucapedza meso ako, nokucemedza mŋoyo wako; ʋana ʋose ʋeimba yako ʋacafa ʋaciri ʋarume ʋanesimba raʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe nomumwe wenyu wandisingabvisi paaritari yangu achasiyiwa kuti apofumadze meso enyu nemisodzi uye kuti arwadzise mwoyo yenyu, uye zvizvarwa zvako zvose zvichafa zvichine simba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi murume wandinenge ndasiya kuti andishandire paatari achava kambudzi kasarira rushamhu zvokuti kana iwe uchatomuchemawo uchitoshayiswawo mazano nazvo. Vana vako vachauraiwa navanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza mwoyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.
Shona 2009?
Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza moyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza mwoyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.