1 Samuel 2:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino heci ciratidzo candinokupa, cicaitika kuʋanakomana ʋako ʋaʋiri Hofni naPinehasi, ʋacafa ʋose ʋari ʋaʋiri nomusi mumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri, Hofini naFinehasi zvichava chiratidzo kwauri, vachafa vose zuva rimwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chichakuratidza kuti zvandiri kutaura zvichaitika ndechichi chokuti vanakomana vako Hofini naFinehasi vachafa musi mumwechete vose vari vaviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naPinehasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwe.
Shona 2009?
Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naPinehasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naFiniasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwechete.