1 Samuel 2:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neni ndicaɀimutsira muprista wakatendeka, ucaita ɀiri pamŋoyo waŋgu nomuraŋgariro waŋgu; ndicamuʋakira imba yakasimba, ucafamba pamberi pomuzodzwa waŋgu nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichazvimutsira muprista akatendeka, achaita zvinoenderana nezviri mumwoyo mangu nomundangariro dzangu. Ndichamisa imba yake zvakasimba, uye achashumira pamberi pomuzodziwa wangu nguva dzose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini pachangu ndichazvimutsira mupristi akatendeka achaita zvinoda mwoyo wangu nezvandinofunga. Ndichatsigira imba yake, ndiye achashandira muzodzwa wangu narini narini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Neni ndichazvimutsira mupristi wakatendeka, uchaita zviri pamwoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.
Shona 2009?
Neni ndichazvimutsira muprista wakatendeka, uchaita zviri pamoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Neni ndichazvimutsira mupristi wakatendeka, uchaita zviri pamwoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.