1 Samuel 2:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiye unosimudza ʋarombo paguruʋa, Unosimudza rombe, acimubvisa paɗurunhuru; Kuti aʋagarise pamŋe cete namacinda, Aʋagarise nhaka yecigaro coʋushe cinobginya. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehova, Iye wakateya nyika pamsoro padzo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anosimudza varombo kubva paguruva uye anosimudza vanoshaya kubva padurunhuru ramadota; anovagarisa namachinda uye anovaita kuti vagare nhaka yechigaro choumambo chokukudzwa. “Nokuti nheyo dzenyika ndedzaJehovha, pamusoro padzo akamisa nyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Anosimudzira varombo kubva pamhukutu pavagere, navasina zvavanazvo kubva pazaradota, achindovagarisa navana vokumba huru, vachitowana zvavo nhaka yezvigaro zvapamusorosoro. Mbiru dzenyika ndedzaTenzi padziri ndipo paakamisa nyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiye unosimudza varombo paguruva, Unosimudza rombe, achimubvisa padurunhuru; Kuti avagarise pamwechete namachinda, Avagarise nhaka yechigaro choushe chinobwinya. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, Iye wakateya nyika pamusoro padzo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible