1 Samuel 20:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kunaJonatani: Ndaɗiniko? Kutadza kwaŋgu ndokwei? Ciʋi caŋgu pamberi paɓaɓa ʋako ndecipi, ɀaʋanotȿaka kundiʋuraya?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhavhidhi akatiza kubva kuNayoti paRama akaenda kuna Jonatani uye akamubvunza akati, “Ndaita seiko hangu? Mhosva yangu ndeyei? Baba vako ndavatadzirei, zvavanotsvaka kundiuraya?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akatiza kuNaioti kuRama akaenda kuna Jonatani akandoti, “Chandakaita chaizvo chii? Chandakakanganisa chii? Mhosva yandakapara nababa vako ndeyei zvavanototsvaka kundiuraya kudai?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kuna Jonatani, “Ndadiniko? Kutadza kwangu ndokwei? Chivi changu pamberi pababa vako ndechipi, zvavanotsvaka kundiuraya?”
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kuna Jonatani, "Ndadiniko? Kutadza kwangu ndokwei? Chivi changu pamberi pababa vako ndechipi, zvavanotsvaka kundiuraya?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kuna Jonatani, “Ndadiniko? Kutadza kwangu ndokwei? Chivi changu pamberi pababa vako ndechipi, zvavanotsvaka kundiuraya?”