1 Samuel 20:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova ŋgaaroʋe Jonatani, arambe aciɗaro, kana ɓaɓa ʋaŋgu ʋaciŋge ʋaciɗa kukuitira ɀakaipa, ini ndikasakuziʋisa iɀoɀo, ndikakuendisa norugare; Jehova ŋgaaʋe newe, seɀaaiʋa naɓaɓa ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana baba vangu vachida kukuuraya, Jehovha ngaandirove, zvinorwadza kwazvo, kana ndikasakuzivisa uye ndikasakuendesa norugare. Jehovha ngaave newe sezvaakanga akaita kuna baba vangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana baba vangu vachinge vachida kukuparadza, ini ndikarega kukutaurira kuitira kuti iwe uende zvako usina chinokuwana, Tenzi ngaandione iyeni Jonatani ndiwirwe zvangu nezvimwe zvikuru kwazvo. Tenzi ngaave newe sezvaaiva nababa vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Jehovha ngaarove Jonatani, arambe achidaro, kana baba vangu vachinge vachida kukuitira zvakaipa, ini ndikasakuzivisa izvozvo, ndikakuendisa norugare; Jehovha ngaave newe, sezvaaiva nababa vangu.
Shona 2009?
"Jehovha ngaarove Jonatani, arambe achidaro, kana baba vangu vachinge vachida kukuitira zvakaipa, ini ndikasakuzivisa izvozvo, ndikakuendisa norugare, Jehovha ngaave newe, sezvaaiva nababa vangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Jehovha ngaarove Jonatani, arambe achidaro, kana baba vangu vachinge vachida kukuitira zvakaipa, ini ndikasakuzivisa izvozvo, ndikakuendisa norugare; Jehovha ngaave newe, sezvaaiva nababa vangu.