1 Samuel 20:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana wagara mazuʋa matatu, unofanira kukurumidza kuɓurukira kunɀimbo iya pawakaʋanda musi watakataurirana pamsoro peshoko riya, ugogara pabge rinonzi Ezeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuswera mangwana, kwavira, uende kunzvimbo yawakanga wakavanda pakatanga dambudziko iri, ugomira padombo reEzeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko kutozoti pazuva retatu racho, wotoita zvokukurumidza zvako kundohwanda kwacho uende panzvimbo paya pawakambohwanda pakambomuka nyaya iyoyi urambe uri kuseri kwedombo reEzeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana wagara mazuva matatu, unofanira kukurumidza kuburukira kunzvimbo iya pawakavanda musi watakataurirana pamusoro peshoko riya, ugogara pabwe rinonzi Ezeri.
Shona 2009?
Kana wagara mazuva matatu, unofanira kukurumidza kuburukira kunzvimbo iya pawakavanda musi watakataurirana pamusoro peshoko riya, ugogara pabwe rinonzi Ezeri.
Shona SUB 2002 Bible
Kana wagara mazuva matatu, unofanira kukurumidza kuburukira kunzvimbo iya pawakavanda musi watakataurirana pamusoro peshoko riya, ugogara pabwe rinonzi Ezeri.