1 Samuel 20:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo, tarira, ndicatuma mukomana, ndiciti: Enda undotȿaka miseʋe. Kana ndikati kumukomana: Tarira, miseʋe iri necoʋuno kwako, ʋuya nayo, ipapo uŋgaʋuya hako, nokuti kunorugare kwauri; hakunemhoȿa, naJehova mupenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndichatuma mukomana ndigoti, ‘Enda undotsvaka miseve,’ Kana ndikati kwaari, ‘Tarira, miseve iri kurutivi rwako urwu; uya nayo kuno,’ ipapo uuye, nokuti zvirokwazvo naJehovha mupenyu, rugare rwuri kwauri; hapana ngozi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwaka, ndichatuma mumwe mukomana ndichiti, ‘Enda kundotsvaka miseve yacho.’ Ndikamutaurira chaizvo kuti, ‘Iwe, miseve iri kurutivi uku, itore,’ iwewo wouya zvako nokuti naTenzi mupenyu chaizvo, hakuna chichange chichakuwana, unenge uri muchete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti, ‘Enda undotsvaka miseve.’ Kana ndikati kumukomana, ‘Tarira miseve iri nechokuno kwako, uya nayo,’ ipapo ungauya hako, nokuti kunorugare kwauri, hakuna mhosva, naJehovha mupenyu.
Shona 2009?
Ipapo, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti, `Enda undotsvaka miseve.' Kana ndikati kumukomana, `Tarira miseve iri nechokuno kwako, uya nayo,' ipapo ungauya hako, nokuti kunorugare kwauri, hakuna mhosva, naJehovha mupenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti, ‘Enda undotsvaka miseve.’ Kana ndikati kumukomana, ‘Tarira miseve iri nechokuno kwako, uya nayo,’ ipapo ungauya hako, nokuti kuno rugare kwauri, hakuna mhosva, naJehovha mupenyu.