1 Samuel 20:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Davidi akapika ɀe, akati: Ƃaɓa ʋako ʋanoziʋa kwaɀo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naiɀoɀo ʋakati: Jonatani ŋgaarege kuɀiziʋa, ɀimŋe uŋgaɀidya mŋoyo; asi ɀirokwaɀo, naJehova mupenyu, nomŋeya wako mupenyu, kunenhambge imŋe cete pakati paŋgu norufu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Dhavhidhi akapa mhiko akati, “Baba vako vanonyatsoziva kuti ndakawana nyasha pamberi pako, uye vakati mumwoyo mavo, ‘Jonatani haafaniri kuziva izvi nokuti angazvidya mwoyo.’ Asi zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwako, panongova nenhambwe imwe chete pakati pangu norufu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi akasimbisisa zvakare achiti, “Baba vako vakanyatsozviona kuti iwe unondida. Saka ivo vanototi, ‘Dai Jonatani akarega kuzviziva nokuti zvingamushungurudze kwazvo. Chaizvo naTenzi mupenyu kana newe uri kutozvionawo kuti upenyu hwangu huri parumano.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Dhavhidhi akapikazve akati, “Baba vako vanoziva kwazvo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naizvozvo vakati, ‘Jonatani ngaarege kuzviziva, zvimwe ungazvidya mwoyo;’ asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, nomweya wako mupenyu, kune nhambwe imwechete pakati pangu norufu.”
Shona 2009?
Ipapo Dhavhidhi akapikazve akati, "Baba vako vanoziva kwazvo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naizvozvo vakati, `Jonatani ngaarege kuzviziva, zvimwe ungazvidya moyo;' asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, nomweya wako mupenyu, kune nhambwe imwechete pakati pangu norufu."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Dhavhidhi akapikazve akati, “Baba vako vanoziva kwazvo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naizvozvo vakati, ‘Jonatani ngaarege kuzviziva, zvimwe ungazvidya mwoyo;’ asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, nomweya wako mupenyu, kune nhambwe imwechete pakati pangu norufu.”