1 Samuel 20:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukomana wakati aenda, Davidi akasimuka kurutiʋi rwezasi, akawira pasi neciso cake, akakotama katatu, ʋakaȿetana, ʋakacema ʋose, kuȿikira Davidi anyanya kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokuenda kwomukomana, Dhavhidhi akasimuka nechokurutivi rwezasi rwedombo akakotamira Jonatani katatu, chiso chake chakatsikitsira. Ipapo vakasvetana vakachema pamwe chete asi Dhavhidhi akanyanyisa kuchema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakangoti kakomana aka endei, Dhavhidhi ndokubva akwanyanukawo kuchamhembe kwedombo riya ndokusvikoti pasi gwadagwa, akatsikitsira uso ndokumukotamira katatu. Vakatsvodana vakahwihwidza kuchema. Dhavhidhi akachema zvakanyanya kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukomana wakati aenda, Dhavhidhi akasimuka kurutivi rwezasi, akawira pasi nechiso chake, akakotama katatu, vakatsvodana, vakachema vose, kusvikira Dhavhidhi anyanya kwazvo.
Shona 2009?
Mukomana wakati aenda, Dhavhidhi akasimuka kurutivi rwezasi, akawira pasi nechiso chake, akakotama katatu, vakatsvodana, vakachema vose, kusvikira Dhavhidhi anyanya kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Mukomana wakati aenda, Dhavhidhi akasimuka kurutivi rwezasi, akawira pasi nechiso chake, akakotama katatu, vakatsvodana, vakachema vose, kusvikira Dhavhidhi anyanya kwazvo.